Deuteronomy 13

Kunamata vamwe vamwari

1Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, 2uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,” 3hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 4NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari. 5Muprofita kana muroti uyo anofanira kuurayiwa, nokuti akaparidza kumukira Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda; akaedza kukutsausai kubva panzira yaJehovha Mwari wenyu yamakarayirwa kuti muitevere. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

6Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako, 7vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, kunyange vari pedyo kana vari kure, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe rutivi rwenyika), 8usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira. 9Unotofanira kumuuraya zvirokwazvo. Ruoko rwako ndirwo runofanira kutanga kumuuraya, zvino maoko avamwe vanhu ozotevera pakumuuraya. 10Mutake namabwe afe, nokuti akaedza kukutsausa kubva kuna Jehovha Mwari wako, uyo akakubudisa kubva kuIjipiti, kubva kunyika youranda. 11Ipapo Israeri yose ichazvinzwa ikatya, uye hapana kana mumwe pakati penyu achazoita chinhu chakaipa kudaro zvakare.

12Kana ukanzwa zvichitaurwa pamusoro perimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti mugaremo 13kuti vanhu vakaipa vamuka pakati penyu uye vatsausa vanhu vomuguta ravo, vachiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva), 14ipapo unofanira kubvunzisisa, nokutsvakisisa uye nokuferefeta kwazvo. Zvino kana zviri zvechokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti ndizvo, kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa pakati penyu, 15munofanira zvirokwazvo kuuraya nomunondo vanhu vose varo nezvipfuwo zvaro. 16Unganidzai zvose zvakapambwa zveguta pakati poruvazhe mugopisa chose guta uye nazvose zvakapambwa zvaro sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha Mwari wako. Rinofanira kugara riri dongo nokusingaperi, risingazovakwizve. 17Ngapasava nechimwe chezvinhu izvo zvakatongwa chinoonekwa mumaoko enyu, kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru; achakunzwirai tsitsi, agokunzwirai ngoni uye achakuwedzerai uwandu hwenyu, sezvaakakuvimbisai nemhiko kumadzitateguru enyu, 18nokuti munoteerera Jehovha Mwari wenyu, muchichengeta mirayiro yandiri kukupai nhasi uye muchiita zvakanaka pamberi pake.

Copyright information for SnaBDSC